Galatians 5

Chengetai kusununguka kwenyu muna Kristu

1Naizvozvo mirai makasimba murusununguko Kristu rwaakatisunungura narwo, uye musasungwazve nejoko reuranda. 2Tarirai, ini Pauro ndinoti kwamuri, kuti kana muchidzingiswa, Kristu haakubatsirii chinhu. 3Uye ndinopupurirazve kumunhu wese anodzingiswa, kuti ane ngava rekuita murairo wese. 4Makasunungurwa kuna Kristu, imwi munonzi makarurama kumurairo; makawa panyasha. 5Nokuti isu paMweya tinomirira nerutendo tariro yekururama. 6Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa chero chinhu hazvina maturo; asi rutendo rwunobata nerudo. 7Manga muchimhanya zvakanaka; ndiani wakakudzivisai kuti murege kuteerera chokwadi? 8Uku kukwezva hakubvi kune anokudanai. 9Mbiriso shoma inovirisa bundu rese. 10Ini ndine chivimbo nemwi muna Ishe, kuti hamuchazorangariri chimwe chinhu; asi uyo anokutambudzai achatakura mutongo, angava ani. 11Asi ini, hama, kana ndichiri kuparidza dzingiso, ndichiri kushushirwei? Naizvozvo chigumbuso chemuchinjikwa chabviswa. 12Ndingati avo vanokutambudzai vazvichekewo. 13Nokuti imwi makadanirwa kurusununguko, hama; chete kwete kuti rusununguko rwuve mukana panyama, asi nerudo shandiranai. 14Nokuti murairo wese unozadziswa pashoko rimwe, pane ichi: Ude wekwako sezvaunozvida iwe. 15Asi kana muchirumana nekudyana, chenjerai kuti murege kupedzwa umwe neumwe wenyu.

Mabasa enyama nezvibereko zveMweya

16Zvino ndinoti: Fambai muMweya, zvino hamungatongozadzisi kuchiva kwenyama. 17Nokuti nyama inochiva zvinopesana neMweya, neMweya zvinopesana nenyama; uye izvi zvinopesana; kuti musaita zvinhu zvamunoda. 18Asi kana muchitungamirirwa neMweya, hamusi pasi pemurairo. 19Zvino mabasa enyama ari pachena, ndiwo awa: Upombwe, ufeve, tsvina, unzenza, 20kunamata zvifananidzo, uroyi, ruvengo, makakava, godo, kutsamwa, kupokana, kupatsanurana, kutsauka, 21shanje, umhondi, uraradzi, makaro, nezvakadai; zvandinogara ndakuudzai sezvandakagarawo ndareva, kuti vanoita zvakadai havazodyi nhaka yeushe hwaMwari. 22Asi chibereko cheMweya rudo, mufaro, rugare, moyo murefu, moyo munyoro, kunaka, rutendo, 23unyoro, kuzvidzora; hakuna murairo unopikisa zvakadai. 24Asi avo vari vaKristu vakaroverera pamuchinjikwa nyama pamwe nehavi neruchiva. 25Kana tichirarama muMweya, ngatifambewo muMweya, 26tirege kuzvikudza kusina maturo, tichidenhana, tichiitirana shanje.

Copyright information for Shona